Psalms 38
Pisarema raDhavhidhi. Chikumbiro.
1Haiwa Jehovha, musandirayira mukutsamwa kwenyu kanakundiranga muhasha dzenyu.
2Nokuti miseve yenyu yandibaya,
uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu.
3Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda kwehasha dzenyu;
mapfupa angu apera simba nokuda kwechivi changu.
4Mhosva yangu yandiremera
somutoro unorema kwazvo kuutakura.
5Maronda angu aora uye anosemesa
nokuda kwoupenzi hwokutadza kwangu.
6Ndakotamiswa uye ndaderedzwa kwazvo;
ndinofamba ndichichema zuva rose.
7Musana wangu wazara nokupisa kunorwadza;
muviri wangu hauchina utano.
8Ndarukutika uye ndapwanyika chose;
ndiri kugomera nokurwadza kwomwoyo.
9Haiwa Ishe, zvose zvandinoshuva zviri pachena pamberi penyu,
kugomera kwangu hakuna kuvanzika kwamuri.
10Hana yangu inorova, simba rangu rapera;
kunyange nechiedza chabva pameso angu.
11Shamwari dzangu navafambidzani vondinzvenga nokuda kwamaronda angu;
vavakidzani vangu vanogara kure neni.
12Avo vanotsvaka kundiuraya vanonditeya nemisungo yavo,
avo vanoda kundikuvadza vanotaura nezvokuparadzwa kwangu;
zuva rose vanorangana zvounyengeri.
13Ini ndafanana nematsi, isinganzwi,
sembeveve, isingagoni kushamisa muromo wayo;
14ndava somunhu asinganzwi,
ano muromo usingapinduri.
15Haiwa Jehovha, ndakakumirirai;
muchapindura, imi Ishe Mwari wangu.
16Nokuti ndakati, “Musavarega vachifarira kutambudzika kwangu
kana kuzvisimudzira pamusoro pangu, rutsoka rwangu parunotedzemuka.”
17Nokuti ndava pedyo nokuwa,
uye kurwadziwa kwangu kunogara neni.
18Ndinoreurura chivi changu;
chivi changu chinonditambudza.
19Vavengi vangu vane simba vazhinji;
vanondivenga ndisina mhosva vakawanda.
20Ivavo vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa,
vanondireva pandinotevera zvakanaka.
21Haiwa Jehovha, regai kundisiya;
regai kuva kure neni, imi Mwari wangu.
22Haiwa Ishe Muponesi wangu,
kurumidzai kuuya kuzondibatsira.
Copyright information for
SnaBDSC